top of page

Shungu


Nhaiwe Shungu, Imbwa yangu Shungu. Pawakapota napo hapana kupfumbira. Nzira haichaoneki, wakati tande nepi? Vamwe vanoti wakaenda kuMaziyandadzoka. Zvino chidzoka tiziyewo.

Vabereki vakabika doro manheru, Vakati vachaita bembera kwachena. Zvino mwedzi wava muchena sewemhou yaKeresenziya. Asi nazvino vanongodzikisira rine mapundu kudaro. Ini nekuno ndonzwa hwadzira nenhunguru nekuti wakatekaira ukasasiya matsimba. Unoda ndisatsive usiku shato yakadya mazai etseketsa here?

Shungu nditarire? Ndaidawo kudya rutivi, rangu ritiwo shutu. Asi ndava Toropito anotemha matamba nemutsine. Masango kuvamwe matero asi kwandiri ndiZambezi. Ndoyeredzwa usipo here Shungu? Zvandaiti nhomba ichava mutorwa. Ndinodawo dehwe reshashiko tarira ndopona nemashizha saAdhamu. Muwonde wotondiziya nechidawo nekuti mumvuri wawo ndapedza.

Shungu dzoka! Tarira vamwe vanodzoka munaHurungwe nenjiri. Ini kuhope chaiko handiiwane ndinodya shiri. Vamwe vanorunga midzonga nemunyu vowedzera kamhiripiri. Ini dumbu rakararira yeguvi neChipiri.

Shungu wee!!! Ndaungudza dzoka misodzi yaerera ikaoma. Matama ova makomba enhodo, shaya dzopera. Ndotodarikwa kusimba nemimvuri yevamwe. Zvavakati, “Ndiyo hayo nyama yeasina imbwa.” Asi ini zvakadaro handiwane nyama yacho, Tarira zhizha ropera musoni wopera kuoma.

Shungu iwee!! Inzwa kani mheterwa yangu.

Detembo rakanyorwa na Dumisani Mukuchura

bottom of page